Mbiru
From Wikipedia
Mbiru (Pillars) zvinoreva matanda makobvu anotsigira denga remba kana matara epamusoro pachivakwa chemudurikidzanwa. Mbiru dzingava dzakagadzirwa nezvidhinha, concrete, simbi kana matanda emuti. Chakakosha kuti mbiru ive yakasimba zvokugona kutakura mutoro wakagara pamusoro payo.
Chivakwa chiri panhandare yendege Harare Aiport chine mbiru dzine kuumbwa kwemhanda kumusoro kwadzo.
Bango rine mhanda rakamira rinoshandiswa sembiru kutsigira chivakwa rinonzi bindu.