Dzoro

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMajanha)

Shoko rokuti dzoro kana janha (1. Turn on roster; 2. Shift at work) rinoreva chijanha kana pachiitwa mubatira pamwe pabasa. Kumamisha vanhu vaibatanidza matanga emombe dzavo pakuenda kumafuro vachipanana mazuva okuti nhasi mombe dzinofudzwa nanhingi watichati Irikidzai. Musi kana wasvika wokuti Irikidzai afudze mombe zvaidzi ane dzoro kana kuti ane janha rokufudza mombe dzematanga mzhinji aya.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Hushe madzoro kunotonga ngana nhasi mangwana kwouya mumwe akasiyana.
  • Handigoni kuuya kumutambo wenhabvu, ndine dzoro.
  • Mukana wekubata basa padzoro unonzi dzoro, rudzoro jembo, majembo kana chijanha.
  • Tendai apukira jana raNgoni: Tendai jumped onto Ngoni's turn.
  • Randipukira jana: I have missed my turn.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]