Mbindikwa yemadziya ekunyautsa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMadziya mbindikwa ekunyungudika.)

Mbindikwa yemadziya ekunyautsa (Latent heat of fusion) zvinotaura madziya anofanirwa kupinda mugodo kuti rinyungudike asi pasina kukwira kwehujoto. Zvinoitika kuti godo reaizi nemvura zviri munzvimbo imwe zvinge zviine hujoto hwakaenzana. Kuti godo reaizi rinyungudike kunofanirwa kupinda madziya anokonzera kuti tukamumheu twemvura tuve nesimba uye spidhi yakakwirira pane tukamumheu turi muaizi. Apa kureva kuti simba remadziya riri kuenda kunowedzera spidhi yetukamumheu pasina madziya ari kuenda kunokwidza hujoto hwemvura. Nokudaro madziya emhando anopinda achikonzera kunyungudika pasina kukwira kwehujoto anonzi mbindikwa yemadziya ekunyautsa.