Kuvandudza

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kuvandudza kana kuvandutsa, kana kuita chitsva (renew, replace something old or increase life of) rinoreva kumisa kana kuunza chinhu chitsva chakanga chisipo pakutanga. Rinogonawo kureva kumutsiridza chinhu (kana sangano) kuti chishandezve zviri nani chine nesimba rakafanana kana kudarika pachakambenge chiri pachakagumira.

Shoko iri rinotaurwa kazhinji pakuvandudzwa kwemitemo yenyika apa richireva kuti mitemo iri kunyorwa patsva kuti ishande zviri nani.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kuita patsva (to do anew) ape kureva kuvamba zvakare uchibvira pahutsva hwechinhu.
  • Chinovandudzika kana chinomuka patsva (renewable) apa kutaura chinhu chinobukira kana kusinina kana kudzoka zvakare chisingapapare nokushandiswa. Zvinhu chakadai semweya watinofema, kana mvura inoti ikanwiwa ichabuda ichidzokera pasi.

Mazwi eBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaYao vanoti sisimusya (refresh).