Kusamhura

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo masvomhu shoko rokuti kusamhura (calculating, doing the maths in English) rinoreva kushanda nenhamba kuti pawanikwe mhinduro inobva munhamba idzodzo. Vamwe vatauri vanoti kusvomhura kana kusamhura.

Mabasa anoitwa pakusamhura anosanganisira : kuwedzanisa, kubvisa, kuunga, kuradanura, kugovanisa zvichingodaro.

Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

  • Calculate the following inenge yonzi, samhura zvinotevera kana kuti svomhura zvinotevera.
  • Calculator inenge yonzi chisamhuri.
  • Calculation inenge yonzi samhuro.

Nhoroondo[chinja | edit source]

Zvakakosha kuti tionesane kwakabva shoko reEnglish rinoreva zvimwe nerekuti kusamhura. Shoko rekuti calculate rakabva kuna calculus shoko reLatin rinoreva, pebble. Aya aiva matombo aishandiswa pakuverenga. Saka vaiti kana vaita masvomhu avo nematombo vaitenge vaita calculation. Nhasiwo zvakanaka kuti isu vatauri veShona titi kusamhura tichireva iko kuita masvomhu acho nenhamba dzawo.