Kuronzera

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti Kuronzera (usufruct; give livestock to the charge of another) rinoreva tsika yaiveko kare yokuti munhu ane danga remombe zhinji aipa vamwe kuti vafano shandisa mombe dzake. Zvaitarisirwa kana munhu aronzerwa mombe saizvozvi aifanira kuichengeta seyake aine mvumo yokurima nemombe yacho, nekukama mhou dzekuronzerwa. Asi uyo aronzerwa haana mvumo yokubaya mombe iyi mombe haizi yake. Kana kuri kunzi yakuvara mwene wayo aifanira kuziva nokuti aronzerwa muchengeti chete.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Ronzwa (Livestock given to the charge and use of another).
  • Kuronza (give to the charge of another) kusiya mombe dziri mumawoko emumwe achadzichengeta kwenguva yamawirirana.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Izwi rokuti kuronsa (to give to; to give in to) rinotaurwa mururimi rweKirundu.