Kundengenyeka kwenyika

Kubva Wikipedia

Kundengenyeka kwenyika (earthquake) chiitiko chekuti nyika inondengenyeka ichizunguzika pasi pachifamba.

  • Nyika yatigere yakawumbwa nemahwada emabwe akawarikwa pasi pematunhu Pasirose. Mahwada aya ane mitswe nehwangwadza pakati pawo.
  • Mahwada aya agere pamusoro pemabwe anokwata nekupisa. Hujoto hunosiyana munzvimbo dziri pamatunhu akasiyana; nokudaro mahwada aya anotambanuka kana hujoto hwakwira nokudzoka kana hwaderera.
  • Mukufamba uku imwe nguva anokwesherana achitsvedza zviri nyore; imwe nguva anokochekerana oita mangange poshaya hwada rinofamba. Zvadai fosi inosunda mahwada aya inoramba ichikwira paanenge arumana kudaro.
  • Panozosvikwa nguva yekuti nzvimbo dzakabatana hadzichagona dzakurirwa nefosi iri kusunda. Ipapo mahwada anopfutunuka otsukunyuka achibandana, kupetana nokukonzera kundengenyeka kwenyika. Panguva imwe cheteyo mabwe akanyauka ari pasi pemahwada aya anokwanisa kusimuka achiwana mukana wazaruka paminwanwa inenge yawedzera kushama. Mabota emabwe aya anozotubuka panyika achive chikwatamabwe.

Nhoroondo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mugore ra2011 mumwedzi waMarch nyika yeJapan yakaita kudengenyeka kwenyika kwakasumudza mvura kubva mugungwa ikaita mafashama padunhu. Chiitiko ichi chakaparadza zvivakwa zvizhinji nehupenyu hwevanhu.

KuChamhembe kweAfrica kundengenyeka kwenyika kushoma; mugore ra2001 South Africa, Botswana neZimbabwe dzakanzwawo kundengenyeka kwenyika asi hapana zvivakwa zvakaparadzwa. Padambudziko iri musiki wakati ropafadza mudunhu reAfrica.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaVenda vanoti mudzinginyo wa shango kana mureremelo wa shango (earthquake).
  • Yao vanoti chilungu (an earthquake).
  • Swahili inoti mtetemeko wa nchi kana kitingisha (earthquake).
  • Swahili inoti mtetemko, mtetemeko, mtetemo (trembling, quivering; vibration).
  • Djimini vanoti seri (v. tremble). Mamwe mazwi: serime (n. tremor).
  • Shimaore inoti mdjidjimiyo (n. quale; earthquake). Maore inoti udjidjima (v. tremble; shiver).