Kunaya kweMvura

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKunaya kwemvura)

Chinyorwa chino chinotaura pamusoro pekuturuka kwemvura ichibva kudenga kuuya pasi nemutowo wekuturuka kwemvura.

Munhuruka ndiyo nguva inotanga mwaka wekunaya kwemvura, painotanga kuturuka.

Mhando dzekuturuka kwemvura[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mvura inenge yabundira iri mudenga inoturuka kubva mudenga nenzira dzakasiyana-siyana. Mudunhu reAfrica kuturuka kuzhinji kwemvura tinokuona kuburikidza nekunaya kwemadonhwe emvura. Kuturuka kwemvura kunoitikawo nenzira dzinoti sinowo, mhute, chivhuramabwe nedzimwe mhando dzinoonekwa kunyika dzinotonhora.

Kunaya kwemvura - uku ndiko kunaya kwemadonhwe emvura inonaya padunhu zvose nepagungwa; chikamu chizhinji chemvura chinonaya padunhu. Iyi ndiyo mhando yekuturuka kwemvura kwatinoona kazhinji muAfrica.

Sinowo (Snow)- sinowo inoturuka munzvimbo dzinotonhora zvakanyanya. Kazhinji sinowo inoturuka kana kuri kutonhora zviri pa 0o celsius zvichidzika, panova ndipo panogwamba mvura kuita magodo echando. Sinowo zhinji inonaya kunyika dzinotonhora dziri kuEurope, Asia, neNorth America. Mazaya echando anowanikwawo munzvimbo dzakakwirira zvakanyanya segomo reKilimanjaro kuKenya nekumakomo makuru ari kuChile kuSouth America.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Akadzamba mvura: he took shelter from the rain.
  • Kuyeuka bako wanaiwa.
  • Kutarama kwemvura (Delay of the rains).

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kuyeuka bako waniwa. Remembering where the cave for hiding from the rain is after you are already wet.
  • Kushaya hakunenerwi munhu denga ratarama. Nobody is to blame for poor yields when the sky has not given rain.

Mitauro yeChiBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]