Kukotonoka

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kukotoka rinoreva kuunganidza kana kuparadzira gungano revanhu kana mhuka - general assembly or dispersal.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Mangwanani tsvuri inokotonodza vasevenzi kuti vabve kumisha yavo; mauro inovakotonodza kuti vadzokereko.
  • Mombe dziri kukotonokera kudhibhi: cattle are gathering at the dip.
  • Mombe dzava kukotonoka padhibhi: the cattle are about to disperse from the dip.
  • Vakotoka kumunda pavapedza kusakurira nzungu dzaamai vavo.
  • Kukotorodza kana kuti kukotonora - Gather or disperse (large number of living things).

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kukorombwedza (Gather together from far and near). Vanhu vokumativi ose vakakorombwedzana paguruundano: people from all parts of the country gathered together at the congress.
  • Gorombwedzwa
  • koto (ideophone of dispersing).
  • Kukotoka (1. Disperse. Break up meeting; 2. Leave (many, from where working) for home. 3. Leave work or place at end of working period - one or many).
  • Kukotonoka (Come together from different directions; 2. Disperse in different directions).

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kikongo inoti kota (enter, come in, to pass in, penetrate, flow in, sink in, set as the sun). VaKongo vanoti kotwa (to be entered).
  • Kikongo inoti kotesa (cause to enter, put, take in, insert, admit, fetch in, load a canoe). Mamwe mazwi kota kunanxi (to put or pass under).
  • Herero inoti kotoka (v.t. return, come back) vachireva kukotoka. Zigula inoti kugotoka (v. to return) kureva kukotoka.
  • Herero inoti komana (v. to crowd in together; swarm along). Mamwe mazwi: kumanisa (v.t. crowd in).