Kukombodza (migodhi)

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kukombodza (beneficiation or value addition) rinotaura pamusoro pemhindu dzose dzinoitwa dzokuvandurira chitofu chinobva kumigodhi kuti chisvike apo chinozokwaniswa kubikwa chichinyautswa mumabhaera emoto. Mhindu idzi dzine chinangwa chokupatsanura dombo rine muchegwa une mari nedombo mambara risina mari. Izvi zvinenge zvakapangama nokuti dombo rinozonobikwa mubhaera ndeiro rinenge rine muchegwa wemari kunyanya kwete imwe mbwizhu yose isina chiguro kana chimuko pairi. Izvi zvinoita kuti kambani dzisarasikirwa nemari kutenga magetsi achibikiswa dombo mambara.


Mhindu dzinoitwa dzinosanganisira: kutsemura kana kubanda mabwe nemhandamabwe, kugaya mabwe nezvigayo zvine mabhora esimbi, kupatsanura mambara nemuchegwa wemari, nokukokorodza muchegwa wemari.

Shoko rokuti kukombodzwa rinokwaniswa kushandawo kutsanangurwa zviri kurongwa muZimbabwe kuti ngoda ivezwe nokukwenenzwerwa muZimbabwe. Izvi zvinoita kuti ngoda iyevedze kuvatengi yave kupenya, saka inenge yave kuchizotengeswa kunyika dzokunze nomutengo wepamusoro. Kana ngoda isina kuvezwa sezvizvi, ingori dombo rakabva pasi pemugodhi mutengo pacarat unenge uri pasi. Kukombodza zviwanikwa zveZimbabwe munyika imomo zvinobatsira kuwanisa vanhu mabasa pane kupa vekunze mabasa mamwechetewo.

Tiri ipapa ndipo panokosherewo kuti zvirimwa zvakaita sana donje zvinge zvichitengeswa ava machira kwete kutengesa mabhero edonje. Chisina kukombodzwa hachina mari inodarika icho chakakombodzwa - kuEnglish ndiyo inonzi beneficiation or value-addition.


Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Shoko rokuti kukombodzwa rinotodzana nerekuti kukomborera rinoreva kuitira zvakarurama, zvinofadza, zvinopfumisa panyama kana pamweya. Nenzira imwe, chiro chinenge chakombodzwa chinenge chapfuma pamutengo wacho uye chapfumisawo nyika nevanochishanda kuti chikombodzwe. Mutengo wacho pa tonne kana pachiyero chipi chingashandiswa unotarisirwa kukwira kwete kuderera.

Panokombodzwa chiro panoitwa zvimwe zvisina hukoshi hwepamusoro zvinopatsanurwa kubva kune zvakakosha zvichiraswa kana kutengeswa sechimwe chibereko chinoshandawo chiri choga. Zvinoraswa tingazvifananidza nedemhe rakomborwa zvemukati zvakakosha iro rakasara rava demhe.