Kukokera

Kubva Wikipedia

Kukokera (Directing) kupa hutungamiri nekutara gwara rinofanirwa kuteverwa uye kuwanisa midziyo nezvose zvinodikanwa nebamba rezuvanezuva kuti zvinangwa zvekambani kana sangano zvibudirire. Vanhu vanoronga nokupangidza gwara rinofanirwa kuteverwa nekambani kana sangano vanonzi vakokeri, pahushoma onzi mukokeri.

Shoko rokuti bamba (effort kuChirungu) rinoreva kubata kana kushanda kwose kunoitwa kuti nechinangwa chokuti donzvo rezvirongwa zvesangano zvizadziswe.

Muchengeti, murindi, mutariri kana mukumbudzi (steward).


Vakokeri veSangano[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Dare reVakokeri - (Board of Directors) idare rinotungamira sangano, rinotema mitemo mikuru inopa sangano iri gwara rokutevera uye kuburitsa pachena donzvo, nevavariro yesangano.
  • Sachigaro weDare reVakokeri (Chairman of the Board) mumwe pakati pevaSadare anotungamira mabasa nemisangano yavo.
  • Mukokeri wekunze (Non-executive director) anenge ari nhengo yeDare reVakokeri asi asiri mukokeri mushandi.
  • Mukokeri Mukuru (Managing Director or Chief Executive Officer)' anenge ari mushandi wesangano uye ari nhengo yeDare reVakokeri aine basa rokutungamira mabasa esangano zuvanezuva. Mukokeri Mukuru anoshanda ari pasi peDare reVakokeri achipanga mazano mudare iri.
  • Mukokeri webamba (Executive Director) anenge ari mukokeri anoshandira sangano riri kutaurwa nezvaro zuva-nezuva, ari anoona kuti zvirongwa zvedare revakokeri, zviri kutevedzerwa nokuwaniswa midziyo, mari nehumhizha hunodikwana mubazi raanotungamira.
  • Mukokeri Muzvinabamba (Chief Operating Officer or Operations Director) anenge ari mukokeri uye mushandi weSangano anotungamira mabasa esangano mazuva ose. Mutungamiri weMushaninga anoshanda ari pasi peMukokeri Mukukuru.
  • Mukokeri wezveMari kana kuti Mukokeri wezveMuduso (Finance Director or Chief Financial Officer)
  • Mukokeri wezveVashandi (Human Resources Director)
  • Mukokeri wezveKutengeserana (Marketing Director)

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • MaZulu vanoti umholeli (Leader of oxen, boy who holds the leading rope) kureva mukokeri.
  • MaZulu vanoti umholi (Leader) kureva mukokeri. Mamwe mazwi: umholi wezombuso (leader of government).