Kuketa (Kupatsanura)

Kubva Wikipedia

Kuketa (sorting, separating) zvinoreva kusarudza zvinhu zvichipatsanurwa. Kuketwa kwezvinhu ibasa rakakosha zvakanyanya muhushangazhi rinobatsira kuronga zvinhu nokunzwisisa huwandu hwazvo maererano nehukoshi hwazvo.

Vafudzi vemombe vanoketa mombe dzavo kana vabva kumafuro vodzitenhera mumatanga akasiyana.

Vanochera ngoda vanoketa matombo acho maererano nehukoshi, kukura kwawo, ruvara, husvinu, zvichingodaro.

Post Office inoketa matsamba zvichienderana nokuti dziri kuenda kupi.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaLozi vanoti -keta (v.t. to choose, to select, to vote, to take one thing in preference to another).
  • Basotho neMaZulu vanoti khetha (to choose, pick out, select, to vote, separate from, differentiate) vachireva kuketa.
  • VaLozi vanoti muketi kana baketi (n. someone choosing a thing from another; voter) kureva muketi.
  • VaNyakyusa vanoti pangukana (break apart) vachireva kupangukana.
  • VaNyakyusa vanoti panguka (to collapse) vachireva kupanguka.