Kuketa (Kuona)
Shoko rokuti kuketa (know, see, perceive, skillful) ishoko rechimanje-manje rakatekeshera rinotaura zvizhinji zvinosanganisira: kuva noruzivo, kuona, kuyeuka chawakamboona, kuva nenjere, kuva nehunyanzvi, kutarisa, kupatsanura, kuronga zvichingodaro. Izwi iri rinoshandiswa pakawanda zvokuti chiri nyore kutopa muenzaniso weparinoshandiswa kuti tibate kuti rinorevei.
- Mupfana Tonde anoketa bhora manje. Apa kutaura kuva nehunyanzvi hwebhora - skillfull.
- Chipo anoketa Science zvinoshamisa - kureva kuti ane njere dzinokasira kubata zvinodzidziswa - intelligent.
- Momz yaigara paDen apa unoiketa here, yakaenda kuSouth Africa? Apa kureva kuziva munhu - to know.
- Muchinda ane Land Rover iyo wamuketa here, anobva kumaraini kwedu? Apa kuyeuka munhu wawakamboona kare - to recognize.
- Shingi waiketa here yanga ichitaurwa namudhara? Apa kureva kubata musoro wenyaya kuti inorevei - to perceive.
- Keta bhachi rakapfekwa nemukomana uyo? - apa kureva kuti tarisa bhachi - to look, see.
Nemamwe matauriro anoreva zvakasiyana, kuketa zvinoreva kupatsanura nokuronga zvinhu kuisa mumapoka anoda kunzi avepo. Muenzaniso wekushanda kweshoko iri ndeaya:
- Vanochera ngoda vanoda kuketa matombo acho maererano nehukoshi, kukura kwawo, ruvara, husvinu, zvichingodaro.
Kuwumbiridza Mashoko [chinja]
Tikanatso cherechedza tinoona shoko rokuti kuketa rinobata zvinosanganisa: kuva noruzivo, kuona, kuyeuka chawakamboona, kuva nenjere, kuva nehunyanzvi, kutarisa, kupatsanura, kuronga zvichingodaro. Zvinotaurwa neshoko rokuti kuketa zvinoda kutodza zvinotaura chivakashure -logy cheEnglish chinoreva study or knowledge. Zvinganaka sei kuti tikwanise kuturikira mazwi ari kuEnglish ane chivakashure ichochi.
- Sokuti panonzi Geology, isu toti Ketanyika; nyanzvi yacho Geologist yonzizve Chiketanyika.
- Tichitevedza kutaura kumwechete tinogona kuti Zoology yonzi Ketamhuka, nyanzvi yacho Zoologist yonzizve Chiketamhuka.
- Chidzidzo Gynaecology chinenge chonzi Ketamukadzi, chiremba wevakadzi gynaecologist toti Chiketamukadzi.