Kukachidzwa

Kubva Wikipedia

Kukachidzwa kunoitika kana uchinge wakanganisa kumedza chikafu kana zvinwiwa zvekuti chikafu chinonopinda nepaburi rekufema naro. Kukachidzwa kunooneka nekukosora zvakanyanya, kubuda misodzi mumaziso, kubuda dzihwa, kutadza kutaura kana kufema zvichienderana nekukura kwakaita chikafu chinenge chamanikira pahuro. Kazhinji munhu anokachidzwa nenzira dzinotevera:

  • Kutaura munhu achidya kana kunwa.
  • Kuseka munhu achidya kana kunwa.
  • Kudya munhu achikasira zvakanyanya.