Kujingirisa

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti kujingirisa (making ends meet, joining things) together ishoko rechimanjemanje rinoreva kuita mabhindauko ekushava mari kuti vanhu vawane kurarama. Iri shoko rakapfumbira muZimbabwe panguva yakaoma kurarama mushure mokunge mari yemunyika yawa pahukoshi hwayo. Makore ekutambura aya anganzi akanyanya kunetsa zvchibva pagore 2000 kusvika pari zvino muna 2013. Mamwe mazwi anoda kureva zvimwe nerokuti kujingirisa ndiwo anoti: kukiyakiya kana kujoinhidza.

Hazvinatse kuzivikanwa kuti shoko iri rakauya sei. Rinokwanisa kunge richitodza pane rokuti jinga rinoreva panosangana muny'asi megomo panosangana dunhu negomo. Saka zvoreva kuti kujingirisa kuita kuti zvido zvomunhu zvibudirire zvichisanganawo nemari.

Shoko rokuti kujingirisa rinodarowo richitodza pakuti kuchingidzira kana kuchingura. Kuchingura zvinoreva kubva panzvimbo pauri pangava pamusha kuenda kunosangana nemweni ari kuuya. Saka apa zvakare kujingirisa kunenge kuchireva kuita bamba mumabasa anoita kuti zvido zvishuwo zvako munhu zvisvike pazvinogutswa kungava nokuwana mari, kana chimwe chinogutsa zvishuvo zvako munhu.