Chipfambi
From Wikipedia
(Redirected from Kuhura)
Chipfambi (Prostitution in English) zvinoreva tsika yokunge vanhu vachibhadharwa mari kuti vararwe navo pabonde. Tsika iyi ine vakawanda vanobhadharwa vari mahure kana pfambi dzechikadzi asi mune dzimwe nzvimbo kunonzi kune pfambi dzechirume.
Nekumwe kutaura kunonzi kupfeva kana kuhura.
Kunonzi vamwe vanopinzwa muchipfambi sevaranda kune dzimwe nyika. Vamwewo vanopinda senzira yokutsvaka nayo mari yekurarama vamwe vachipinda nekuda kutsvaka mari yokutenga zvinodhaka.