Kuenda kuMwedzi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKuenda kumwedzi)

Shoko rokuti Kuenda kuMwedzi kana kuti kutevera rinotaura tsika yekurasa ropa kubva panhengo yesikarudzi inoitika kumadzimai abva zera. Chiitiko ichi chinodzokorora mushure memazuva makumi maviri nemasere (28) zvichiitika kwemazuva anokwana mana kusvika matanhatu (4-6). Mamwe mazwi anotaura kuenda kumwedzi ndeanoti: kutevera; kutema rushanga; masambo kana mashambo.

Vanhukadzi vanovamba kuenda kumwedzi pamakore ari pakati pegumi nemaviri kusvika gumi nematatu. Pachinyorwa chino, nguva iyi inovamba munhukadzi kuenda kumwedzi ichanzi mambamwedzi apa kureva mavambo ekumwedzi muchidimbu. Shoko rokuti mambamwedzi riri kutevedzera matauriro muchidimbu patinoti mambakwedza panzvimbo pokuti mavambo ekuedza. KuChirungu chiitiko ichi chokuvamba kutevera chinonzi menarche. Shoko rinoti men richireva moon kuLatin, arche richireva beginning.

Vanhukadzi vanozomira kumwedzi vave nemakore ekuberekwa ari pakati pemakumi mana nemashanu kusvika makumi mashanu nemashanu (45-55). Mukutaura kwemazuvaose kuguma kwekutevera kunonzi kuguma ura, pano pachawedzerwa izwi idzva rokuti gasamwedzi - iriyo inonzi menopause kuChirungu. Kana kuenda kumwedzi kwakasa, munhukadzi anenge asisabereke nenzira isina kupindira kwehunyanzvi hwe science pazviri.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]