Hushavi

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKubinduka)

Shoko rokuti hushavi (trade, occupation or profession, to sell, barter) rinoreva humhizha, hunyanzvi kana mabhindauko anoitwa nevanhu kuti vawane chouviri chinovararamisa ivo nemhuri dzavo. Kana munhu ari murimi wenzungu irori basa ndiro rinenge riri iro hushavi hwake.

Pano shoko rekuti hushavi kana kushava harisi kutaura zvemashave kwete asi riri kutaura mabasa ekubata kwemaoko kana kushandisa huchenjeri anoitwa nevanhu vachitengesa zvibereko zvekushanda kwavo uye nguva yavo.

Mamwe Mazwi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kushava (to sell, to barter).
  • Shavo (1. Merchandise, 2. Goods that are available for sale) apa kureva zvinhu kana nhumbi dziri kutengeswa.
  • Muzvinashavo (Merchant) apa kureva munhu anotengesa zvinhu.
  • Kushavara (to have enough, be well).
  • Kusunza kana kushuzha (to barter grain) zvichireva kutenga kwete nemari asi nezvirimwa.
  • Chikovero (Place where men of a big village meet to prosecute their crafts (e.g. fashion arrows, make spear-heads, etc).
  • Kubinduka kureva kushanda zvisina zororo.
  • Binduko (n. occupation). Tarisai izwi rokuti ocipinduko riri kumutauro weUmbundu rakanyorwa zasi kwegwaro rino.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kushavana (trading together) zvoreva kutengeserana.

Tsumo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Cheshavo yemombe huonerana. Cattle sales require both parties to see (the beast).
  • Shavo meso. Sales involve your eyes.
  • Nhandanyadzi neshavo. It is not shameful if one who has something asks for something.
  • Madzinganyadzi kukumbira uine shavo. It is not shameful to ask for something of one who has it.*
  • Cheshavo mwene wayo.The price of any article for sale depends o the trader.
  • Chomushambadzi chinozara tsvina. A trader's article is bound to get dirty.
  • Chomutengesi chinozara tsvina. A trader's article is bound to get dirty.* c!
  • Shavo imbonekwi. An article (for sale) has to be seen.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaVenda vanoti vhushavi (n. trade) apa kureva hushavi. Mamwe mazwi: mushavhi (n. trader) kureva mushavi.
  • Mururimi rweUmbundu vanoti ombilo kana ocipinduko (occupation) kureva basa rinoshandwa kana binduko remunhu.
  • VaLenje vanoti sunsha (barter, bargain; offer for sale, sell) kureva kusunza.