Mhandamabwe

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuKubandanura)

Muhushangazhi hwemugodhi, mhandamabwe (crushers in English) zvinoreva michina inoshandisa simbi dzikukutu kupwanya matombo makuru anobva pasi pemugodhi.[1] Matombo echitofu anenge aputitswa pasi pemugodhi anobuditswa akakura kuita 20-60 cm. Matombo aya anotsemurwa nemhandamabwe dzinorova nekumanika matombo aya pakati pesimbi dzikukutu, izvi zvichikonzera matombo aya kuti atsemuke. Panozopera basa remhandamabwe, matombo anenge apwanyiwa atsetseka kuita 2-5 cm.

Kubandanda kana kudukuta (pulverize) zvinoreva kugaya kana kukuya chinhu chichisara chave mhukutu kana guruva.

  • Mhukutu (dust settled or suspended).

Mabviro eruzivo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  1. Machine