Josiah Tongogara

Kubva Wikipedia

Josiah Tongogara igamba rehondo yeChimurenga yakarwiwa nechinangwa chekusunungura nyika yeZimbabwe kubva kuutongi hweudzvanyiriri hwevarungu vakabva kuBritain.

Tongogara aiva mutungamiri wemawuto erusununguko reZanla. Murume uyu akafa mutsaona yemugwagwa munguva munyika yeMozambique apo anga ari murwendo kubva kuMaputo kuenda kuZimbabwe. Rufu rwake rwakaitika mumwaka wokuti vatema vakanga vogadzirira kuwana kuzvitonga kuzere. Pane makakatanwa asina kupera kusvika nazvino pamusoro pefiro yaJosiah Tongogara. Rumwe rutivi ndorunoti akafa ichingovawo tsaona yakafanana nedzimwe tsaona; rumwe rutivi rune kufungidzira kuti akauraiwa nevabiyake vatungamiri vehondo yerusununguko.