Jekanyika

From Wikipedia
Jump to: navigation, search

Muchidzidzo cheJekanyika (Geodesy), nyika yakatarwa nemhando mbiri dzemitsetse. Kune mitsetse yakatarwa yakati sambamba neMutsazanisi inonzi muyeramwaka, (lattitude). Kune mitsetse yakatarwa ichibata kuNorth pole neSouth pole inonzi muyeranhambo, longitude. Mitsetse iyi inoshevedzwa nenhamba dzakarongeka. Nhamba dzemitsetse yemuyeramwaka dzinoveregwa dzichibva paMutsazanisi dzichienda kumavirira nekumadokero. Nhamba dzemitsetse yemuyeranhambo dzinoverengwa dzichibva pamutsetse weGreenwich Meridian zvichienda kuNorth pole neSouth pole. Greenwich Meridian mutsetse welongitude unopfuura pedyo neRoyal Observatory, Greenwich, kuUnited Kingdom.

Naizvozvo nzvimbo dzose dziri panyika dzine nhamba inotaura kuti nzvimbo iri papi mudandemutande remitsetse iyoyi. Ruzivo urwu ndirwo rwakashandiswa muhumhizha hweGPS, Geographical Position System chinova chombo chinobatsira kutaura kuti tiri papi uye kupa rudzivo (direction) rwenzvimbo yatinoda kuenda.