Japani

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuJapan)
Japan日本国
Rwiyo: Kimigayo, "君が代"

Japan (Chijapani: 日本, Nippon kana Nihon, uye sepachihofisi 日本国, Nihonkoku) chitsuwa chenyika chinowanikwa kuMabvazuva eEzhiya. Yakagadzikwa kumaodzanyembaemadokero eGungwa re Pasifiki uye kumadokero rinoganhurwa ne Bhahari re Japani, rinotandanudzwa kubva kuBhahari re Okhotsuki kusvika kumaodzanyemba e Bhahari reMabvazuva eChayina, Bhahari re Vufiripini, uye Taiwani kuchamhembe. Japani chikamu cheChindori we Moto uye rinegurutsuwa rwe zvitsuwa zvi-14,125, zvitsuwa zvikuru zvayo i Hokaidho, Honshu (kureva "tsuwahuru"), Shikoku, Kyushu, ne Okinawa.

Gutaguru rayo iTokyo, richitevera ne Yokohama, Osaka, Nagoya, Saporo, Fukuoka, Kobhe, ne Kyoto. Japani ine miganhu neChayina, Koriya Maodzanyemba, Koriya Chamhembe, Rhashiya ne Taiwani.

Japani inotongwa nehwami wayo, parizvino hwami wayo ndiVaNaruhito.