Hutsanana

Kubva Wikipedia

Hutsanana (Hygeine, Sanitary) zvinotaura kutsvinda kana kuchena kwakaita panzvimbo kana munhu. Munhu anozvichengeta akatsvinda kana kuchengetedza nzvimbo saizvozvo anonzi ane hutsanana. Kushambidza nzvimbo kuti ive noutsanana isina hutachiona kunonzi kutsananza. Vamwe vatauri vanoti uyani.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Muchinyorwa chino mashoko ari kushandiswa sezvizvi:

  • Kutsvindisa kana kushambidza (cleanse) zvinoreva kuchenesa chinhu kana nzvimbo kuti isare yava inotaridzika.
  • Kutsananza (sanitize) zvinoreva kuchenesa nzvimbo nenzira yokuparadza hutachiona.
  • Chapa (unclean; clumsy; careless person) zvinoreva munhu ane huchapa.
  • Huyanga, hupfende kana kuti huchapa zvinoreva hutsvina zvokusagona kuchengeta nzvimbo yakachena.
  • Chipotera (Carelessness about personal cleanliness) apa kureva hudzanga kana hupfende.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Noni vanoti saan (v. clean).
  • Uyo Ibibio vanoti saana (v. become clean; tv acquit, find innocent).