Humburumbira

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo pimanyika, humburumbira (cylinder in English) zvinoreva chiumbwa chine uso huviri hwakati sambamba, neuso hwechitatu hune mucheko wedenderedzwa. Humburumbira ndiyo muenzaniso wezhumwi redenderedzwa.

Humburumbira chiumbwa chinokunguruka zviri nyore uye chichifamba nenzira yakatwasuka pachinokunguruka. Kunze kweurungano zvimwe zviumbwa zvine mumhu hazvikwanise kukunguruka nenzira yakatwasuka. Shoko reEnglish rokuti cylinder rinobva kuLatin richireva something which rolls. Saka nokumwe kutaura tingaturikira tichiti humburumbira inganzi chikunguru

Muenzaniso wehumburumbira unowanikwa: pamugomo unotakuriswa mvura; paipi dzemvura; zvidziro zveKitchen kumaruwa zvichingodaro. Nemamwe maonero vhiri rakaumbwa sehumburumbira rine hwasha hudiki pane gurapakati.