Humba

Kubva Wikipedia

Humba (Bushpig in English) imhuka yemusango yakafanana nenguruve dzinopfuyiwa pamusha. Humba ine mumhu unokura kuyenzana nenguruve dzekupfuya - ine muromo murefu senguruve. Humba imhuka ine hukasha haafananindzwe nenguruve dzepamusha kana yasvika pakurwa nembwa panguava yokuvhima.

Kunzvimbo dzinorimwa dziri pedyo nemasango, humba inonetsa nokudya chibage muminda. Zvichitanga panguva yokukanda mbeu pasi humba inotevera ichifukura uye inodya chibage kana miguru yavepo.


Humba nenjiri imhuka dzakasiyana; humba haina nyanga kunge njiri.

Mitauro yeAfrika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]