Mukundo

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuHugabe)

Shoko rokuti mukundo kana chiremera (Authority kuChirungu) rinoreva simba kana mvumo yokurayira zvinofanirwa kuitwa panzvimbo kana nhambo nenzira yakatarwa pasi pemutemo wenyika kana murawo wesangano. Pakushanda kunoita masangano akatsaukana chinhu chakakosha kuti zvitsungo kana zvirongwa zvinoitwa zvidavidzirwe kana kurayirwa nemunhu kana boka revanhu rine mvumo yekuita saizvozvo. Masangano ose anosanganisira mapato matongerwo enyika, hurumende, madzishe, makanzuru, makambani zvichingodaro, anoita zvakarurama kana achitevedza mutowo wemashandiro akadaro.

Kuti shoko rashandiswa nderipi mukundo kna hugabe zvinoenderana nemunhu ari kutaura, ose anoreva zvakafanana.

Chisimba (Use of force to bring about a decision). Vamwe vatauri vanoti mukundo.

Muenzaniso[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Madzishe ematunhu muZimbabwe vane mukundo wekugovera minda mumaruwa ari pasi pavo.

Mapazi ehurumende ane hudaviri pamusoro pezvirongwa zvakasiyana-siyana zvine chinangwa chekuchengetedza mitemo yenyika - kuEnglish anonzi (Responsible Authorities). Mapazi aya akapiwazve mukundo kuti ave anotarira kuti mitemo yakasiyana yehurumende yatevedzwa. Mapazi aya anobata basa zvichienderana nemitemo yakatarwa nedare reParamende - (Acts of Parliament). MuZimbabwe kune mapazi ane hugabe pamusoro: pemvura; mitero; ndege, kutakurwa kwenhumbi nevanhu; uye michero nemhuka. Muenzaniso ndiyo inoti: ZIMRA; ZINWA; ZINARA; Municipalities; Natural Resources Board; Environmental Protection Authority; Civil Aviation Authority; POTRAZ zvichingodaro.

Shoko idzva[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Nokumwe kutaura tichitodza mutauro weKirundu wekuBurundi, mukundo unganzi hugabe; izwi iri rinotodza rechiKirundu rokuti ubugabe rinoreva authority. Mutauro weKirundu uri pamupanda wemitauro yechiBantu inotaurwa kuno kuChamhembe kweAfrica uye une mashoko mazhinji akatodzana neChiShona

Mukundo kana kuti hugabe isimba rakapiwa pasi pemitemo yenyika kana sangano kuti munhu kana boka revanhu rive neutongi pamusoro pemabatirwo ezvinhu zvinosanganisira: vanhu; basa; mari; ivhu; michero; hutano; mishonga zvichingodaro.