Hudaviri

Kubva Wikipedia

Pakushanda kunoita zvirongwa nemabasa muhushangazhi, hudaviri (responsibility) ishoko rinodudza uyo anotarisirwa kunge achibvunzwa maererano nekufambiswa kwezvirongwa nemabsa panzvimbo iri kutaurwa nezvayo. Iye mudaviri anokwanisa kunge asiriye anobata zvombo kuita mabasa anofanirwa kuitwa asi ndiye ane chinhanho chekuronga kuti mari nezvombo zvose zvinodiwa kuti basa ribudirire zvivepo.

Munhu ane hudaviri pamusoro pekufambiswa kwezvirongwa nemabasa anofanirwa kunge akapiwa simba rehutongi pamusoro pezvinhu izvi. Kana munhu achinge asina kupiwa hutongi hazvina kufanira kuti ange ariye anobvunzwa pamusoro pekukundika kana kubudirira kwezvirongwa kana mabasa.

Mamwe Matauriro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kubvuvana (1. Be burdened, 2. Be responsible) Ndiwe unobvuvana nayo: you are the one burdened by that.

  • Mufundisi ndiye ane rudayirira kana takatarisa zvidzidzo nemharidzo dzinoshumairwa paKereke - Pastor is responsible.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Kanzuru dzine hudaviri panhau yokusvitsa mvura yakachena mumana mazhinji munogarwa nevanhu.
  • Sahomwe ndiye anobvuvana nokuchengeta mari: the treasurer is responsible for keeping the money.