Hata (chiumbwa)

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Coil spring.JPG
Python reticulatus сетчатый питон-2.jpg

Muchidzidzo chePimanyika Hata (coil) chiumbwa chakagadzirwa kuchimonererwa tambo kana kuti waya dzichiita imwe pamusoro peimwe. Kazhinji tambo dzinogadzira hata dzinomonerana dzichiumba madenderedzwa ane pakati pamwe, asi hata inokwanisawo kuvakwa ine kuumbwa kusiri denderedzwa. Chinokosha kuti hata ine tambo iri kumonera panzvimbo imwe.


Iri shoko ratinoshandisa mazuva ose kumaruwa ndiro raonekwa riri pedyo kutsanangura chinonzi "coil" kuEnglish.

Pakutaura kwemazuva ose tinoti,

  • "Zvandaona, zishato zihombehombe ranga rakaita hata pasi pemuzhanje uri parutivi penzira".
  • KuEnglish voti, "A very huge python was coiled up under the muzhanje tree that is by the path".