Gumbeze

Kubva Wikipedia
Magumbeze pamusika ku(Algeria)

Gumbeze ijira rakakora rinofungwa kana vanhu vorara kuti vadziyirwe.

KuVaShona kune tsika yokuti kana munhu atanga kushanda anotengera vana ambuya vakabereka baba naamai vake gumbeze.

Tsika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Munhu uya haabvaruri magumbeze - apa kureva kuti munhu wacho haarari nokuti anenge achiroya.
  • Jari rudzi rwegumbeze rine mupendero une pfunha.
  • Zviri kwauri gumbeze kufuka kana kuwarira.
  • Shoko rokuti gumbeze rinobva kushoko reAfrikaans rekuti kombers kureva gumbeze.
  • Makarekare vakanga vachiruka magumbeze nemakavi avaiti magudza.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]