Govaniso

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
20 \div 4=5

Muchidzidzo masvomhu, govaniso (division in English) chiitiko chinoshandiswa kutsvaga kuti nhamba inokwana kangani (kana kupinda kangani) mune imwe nhamba. Somuenzaniso kana kuchitsvakwa kuti 3 anopinda kangani muna 6, kunonyorwa sezvizvi:

6 ÷ 3 = 2


Kuunga kune hukama negovaniso; zviitiko izvi zvine simba rinoita zvakapesana sezvizvi:


6 = 3 * 2


Kujekesa[chinja | edit source]

Maonero maviri


Ngatitarisei muenzaniso

a ÷ b = c
  • Govaniso tinogona kuiona sokutora boka rine nhengo a, nokupatsanura nhengo idzi kuchigadzirwa mapoka b akaenzana pahuwandu hwenhengo dzawo. Huwandu hwenhengo c hunodanwa kunzi chikangani - quotient in English
  • Govaniso inokwanisa kutsanangurwa sokutora boka rine nhengo a, nokuwumba mapoka rimwe nerimwe rine nhengo b. Huwandu hwemapoka aya, c, ndicho chikangani cha a na b.


Kurerutsa Mutauro[chinja | edit source]

Zvakakosha kuti pawanikwe kuturikira kwemashoko anozivikanwa kare kuEnglish, uye kujekesa kuti huwandu huri kugovewa ndeupi:


  • Dividing inenge ichinzi kugovanisa.
  • 10 divided by 2, :10 ÷ 2 = 5 inenge ichinzi Gumi (10) kugova pana mbiri (2); kana kuti gova gumi pana mbiri. Apa tinoda kuti zvijeke kuti zvinhu 10 ndizvo viri kugovewa
  • How many times does go 2 into 10 kunonzi 2 anopinda kangani muna 10.