Gora
From Wikipedia
Gora (Vulture in English) ishiri huru inogara musango inowanikwa muZimbabwe. Gora ishiri inodya nyama inotevera zvinenge zvasiyiwa nezvikara zvesango pamapfupa emhuka dzinenge dzaurayiwa. Kana shumba; dindingwe; nembada zvapedza basa razvo magora anoswedera pedyo achidya zvasara. Magora anodya chero chafa chega.
Shiri iyi ine muromo wakapinza zvokukwanisa kubvarura dehwe remhuka.