Gonyoshanu

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo pimanyika gonyoshanu ishepi ine mativi mashanu nemagonyo mashanu.

Kudhara Gonyoshanu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Gonyoshanu rinokwanisa kudharwa neznira yakatsangangurwa pasi iyo:

Kudhara Gonyoshanu
  1. Dhara denderedzwa iro uchashandisa kubuditsa gonyoshanu wochipangidza mboni yaro O. (Iri ndiro denderedzwa rine ruvara green padariro riri kurudyi).
  2. Sarudza poyindi A iri padenderedzwa ichava iyo chisuvi chegonyashanu. Dhara mutsetse unobatanidza Ona A.
  3. Dhara mutsetse wakarurama 90o paunobata OA pana O. Maka na B papoyindi panosangana mutsetse uyu nedenderedzwa radharwa pakutanga.
  4. Chinyora poyindi C sepoyindi iri pakati pemutsetse OB.
  5. Dhara denderedzwa rine mboni pana C richidarika nepa poyindi A. Maka panosangana denderedzwa iri nemutsetse OB nevara D. (umu munenge muri mukati medenderedzwa repakutanga)
  6. Dhara denderedzwa rine mboni pana A richidarika nepa poyindi D. Maka panosangana denderedzwa iri nedenderedzwa repakutanga (green) wonyora ipapo mavara E na F.
  7. Dhara denderedzwa rine mboni pana E richidarika nepa poyindi A. Maka pamwe panosangana denderedzwa iri nedenderedzwa repakutanga pave poyindi G.
  8. Dhara denderedzwa rine mboni pana F richidarika nepa poyindi A. Maka pamwe panosangana denderedzwa iri nedenderedzwa repakutanga pave poyindi H.
  9. Chidhara gonyoshanu remachenzano AEGHF - regular polygon.
Animation that is almost the same as this alternative method


Gonyoshanu muzvisikwa[chinjirudza | chinjirudza mabviro]