Gonyazhinji
Muchidzidzo chePimanzvimbo, gonyazhinji (Polygon) chiumbwa chine mativi mazhinji; kubvira pamatatu zvichikwira. Mitsetse inobatana pamikwava inenge yakati twasa.
[chinja] Kupihwa kwezita
KuEnglish izwi rokuti "polygon" rinoreva chiumbwa chine mativi mazhinji uye gonya zhinji. Shoko rinoti "poly" rinoreva "many" - kuwanda. Shoko rinoti "gon" rinobva pashoko rekuti "gonia" (Latin) rinoreva "bend" kana kuti "ankle". Isu kuChiShona tichapa zita rokuti Gonyazhinji kududzira shoko rokuti "polygon". Zvichinge zvamira nenzira iyoyi hazvichanetsi kupa mazita eShona kuzviumbwa; tinenge toverenga kuti chiumbwa chine gonya (mikwava) ngani kana kuti mativi mangani.
- Triangle ine mativi matatu inenge yonzi gonyanhatu.
- Quadrilateral ine mativi mana inenge yonzi gonyaina.
- Pentagon ine mativi mashanu inenge yonzi gonyashanu.
- Decagon ine mativi gumi inenge yonzi gonyagumi, zvichingodaro.
Tichiri ipapo zvakafanira kuti tionesane kuti gonyazhinji rega-rega rakaumbwa riine mativi anoverengwa kuenzana nemagonya ari mukati mechiumbwa ichocho.
[chinja] Magonya eGonyazhinji
Gonyazhinji rega-rega rine mativi anoverengwa kuenzana nemikwava yarinaro. Mukwava wega-wega une magonya ane chitsama. Magonya anonyanya kuwongororwa ndeaya:
Magonya emukati – Magonya emukati egonyazhinji ine mativi n (n-gonya) anohwerengedzwa kusvika (n − 2)180o. Gonyazhinji ine mativi n inokwanisa kutariswa sokunge yakavakwa negonyanhatu n dzinosangana pagoko regonyazhinji. Gonya inotenderera pagoko yakakura 360o, kana kuti 180(2). Tikabvisa kukura kwegonya riri pagoko kubva pakukura kwemagonya ari mugonyanhatu dziripo "n", tinowana (n − 2)180o kukura kwemagonya emukati, megonyazhinji. Poinsot ndiye akatanga kutsvakurudza nekunyora pamusoro pemagonya emukati egonyazhinji.
Magonga ekunze - aya magonya anohwerengedzwa kuita 360k, apa k anenge ari nhamba yakazvikwanira (interger).