Gonyanhatu yemutwi
Muchidzidzo chePimanzvimbo, gonyanhatu yemutwi (right-angled triangle) imhando yegonyanhatu ine mativi maviri anosangana pamukwava une gonya rakakura 90o. Nokumwe kutaura gonyanhatu yemutwi inodaidzwa kunzi gonyanhatu yakarurama, izvi zvichidudza gonya re 90o rainaro.
Mativi matatu egonyanhatu iri anopiwa mazita akasiyana zvichibva pamamiriro akaita gonyanhatu. Kune mativi maviri anosvika pamukwava une gonya ye 90o; pamativi aya rokutanga rikanzi hwaro (adjacent), repiri richabva ranzi darisanwa (opposite side). Divi guru rine nhambwe yakareba kupfura mamwe rinonzi muzendami (hypotenuse) nokuti rinoita sokunge rakazendamiswa rakatsigirwa kuhwaro nemutwi.
Sarudzo yokuti darisanwa idivi ripi uye hwaro divi ripi inodudzirwa nokuti timire mugonya ripi. Muzendami ndiye murefu anoramba aine zita rimwechete - uyu haachinje. Divi rakabatana negonya ratiri kushanda naro ndiro rinova hwaro, repiri rakaita mutwi nehwaro ndiro rinova darisanwa. Zvizhinji zvichatsanangurwa muchikamu chePimagonyanhatu, (trigonometry) chichatevera mberi.