Gongo

Kubva Wikipedia

Muchidzidzo Chezvipenyu (Biology) gongo kana gogodza (clitoris in English) chikamu chenhengo yechikadzi inonzi mbutu. Kuti nhau yokutanya inzwisisike zviri nani tinofanira kukurukura kaumbirwo kakaitwa nhengo yechidzimai sokuonekwa kwainoitwa nechekunze. Vamwe vatauri vanoti chidziviro, uyu uri ndiwo mutauro une chiremera.

Kuumbwa kweNhengo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Hwabvu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kunze kwayo nhengo yechikadzi ine zvipika zviviri zvingadaidzwa kuti hwabvu - labia kuEnglish. Hwabvu huri paviri, kunoita hwabvu hukobvu kwoitawo hwabvu hutete. Shoko rokuti hwabvu rinobva kuChiKorekore richireva kuti miromo - lips.

Hwabvu hukobvu (labia majora) ndihwo hunovhariridza chikamu chenhengo chinoonekwa nokunze. Hwabvu uhwu hunobva kuzvidya kusvika nepakati pane mukoronga kana kuti mutsemu. Pamusoro pehwabvu uhwu ndipo panokura choya kana kuti mavhudzi. Hwabvu hukobvu hunopendera pamukoronga pahunoshanduka kuva nyama tsvuku isina choya.

Hwabvu hutete (labia minora) ndizvo zvinzeve kana kuti mipendero iri mukati mehwabvu hukobvu. Hwabvu uhwu hunotangira nechekumusoro kune kabhinzi (gongo) huchinosvika zasi kune buri rekuzvara. Sekutaura kunoita zita racho, hwabvu hutete hudiki pane hwabvu hukobvu. Uyu hwabvu hutete ndihwo hunoti mamwe madzimai echitema vanoda kutanya kana kudhonza kuti hurebe kuita matinji.

Gongo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pakati panosangana hwabvu hutete nechekumusoro pane kanyama kadiki kangaenzane nebhinzi kukura. Mukutaura kwemazuva ose vamwe vanokati kabhinzi. Kanyama aka ndiko kanodanwa kunzi gongo. Kanyama aka kanoshandawo kuwedzera kuzipirwa kwemukadzi panguva yokunge agara nomurume wake pabonde. Kanyama aka kane zvitape (Nerves) zvinotapa kuzipa panguva yokurarana kwemurume nemukadzi. Kane simba rokugona kusvitsa mudzimai pakuchemerera kana kachinge kapuruzirwa nenzira inofadza.

Mukana[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Mukana ndiro buri rinobuda nemwana pakuzvara uye ndiro rinopinda nenhengo yemurume panguva yebonde. Mukana hausiri iwo buri rinobuda neweti kwete. Buri reweti riri nechepamusoro pari pazasi pegongo.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Baila vanoti mukongo (clitoris feminae) kureva gongo.
  • VaDigo vanoti chilembo kana chilebe-lebe (clitoris).
  • VaZigula vanoti toko (clitoris). Kinande vanoti omúsíno kureva gongo.
  • Xilenge vanoti gongo (n. a round bean).