Gideon Gono

Kubva Wikipedia
Gideon Gono (2008)

Gideon Gono (akaberekwa 29 November 1959) ndiye Mukokeri Mukuru weReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) uye akambenge ari mukokeri mukuru weJewel Bank, inova yaimbonzi Commercial Bank of Zimbabwe.

Mavambo neKukura kwaGono[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Gideon Gono akatanga kushanda mugore 1977 ari mubiki wetiyi kukambani yeNational Breweries kuKweKwe. Murume uyu akanyora bvunzo dzeO-level neA-level achidzidza ari kumba. Akazoshandira Zimbabwe Fertiliser Company semuchengeti wemabhuku ezvemari - Bookkeeper. Mushure mekushandira Van Leer basa raAccountant akashevedzwa kuita Maneja wezveMuduso (Finance Manager) ku Zimbabwe Development Bank (ZDB) mugore 1987. Akazosiya basa kuZimbabwe Development Bank mugore 1995, panguva iyo anga ava Maneja weBambarose General Manager. Akazokwirira achiita Mukokeri Muzvinabamba webhanga rakaparara reBank of Credit and Commerce of Zimbabwe (BCCZ). Gono anozivikanwa saiye munhu akamutsiridza bhanga reBCCZ rakanga rakundika, ndokurisimbisa rava kunzi The Commercial Bank of Zimbabwe, kana kuti 'Jewel Bank'. Bhanga iri rakazokura rikabva rozivikanwa serimwe remabhanga makuru munyika yeZimbabwe. Kumutsurudza kwaakaita bhanga iri kwaita kuti Gideon Gono awonekere nokuva nomukurumbira izvo zvakabatsira kuti azopiwa basa reMukokeri Mukuru weReserve Bank of Zimbabwe

Gideon Gono akaverenga akapiwa degree reMasters in Business Administration paUniversity of Zimbabwe, akazova murariridzi pachikoro ichi uye akagadzwa kuti atungamire Dareguru reUniversity of Zimbabwe. Chikoro chikuru ichi chakamupawo dhigiri roruremekedzo