Genesisi

Kubva Wikipedia

Kusikwa kwazvose 1.1 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.2Nyika yakanga isina kugadzirwa ,isina chinhu ,rima rakanga riripo pamsoro pemvura yakadzika ; Mweya waMwari wakanga achigara pamusoro pemvura. 3 Mwari akati chiedza ngachivepo ,chiedza chikavapo .4 Mwari akavona chiedza ,kuti chakanaka;Mwari akaparadzanisa chiedza nerima .5 Mwari akatumidza chiedza akati Masikati,nerima akaritumidza ,akati Vusiku.Madeko akavapo namangwanani akavapo ,zuva rimwe.6 Mwari akati: Nzvimbo ngaivepo pakati pemvura kuti iparadzane mvura nemvura.7 Mwari akaita nzvimbo akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo nemvura yakanga iri pamusoro penzvimbo;zvikaita saizvozvo .8 Mwari akatumidza nzvimbo akati denga.Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva repiri. 9 Mwari akati mvura iri pasi pedenga ngaivungane pamwe chete ,kuti pasi pakawoma pavonekwe; zvikaita saizvozvo.10 Mwari akatumidza pasi pakawoma akati Nyika; nemvura yakavungana akaitumidza akati Makungwa ; Mwari akavona kuti zvakanaka .11 Mwari akati: nyika ngaimerese vuswa nemirivo inobereka mbeu ,nemiti inobereka michero inamarudzi ayo ,mbeu dzayo dziri mukati mayo ,panyika,zvikaitika saizvozvo.12 Nyika ikameresa vuswa nemuriwo inobereka michero ,mbeu dzayo dziri mukati mayo,inamarudzi ayo; Mwari akavo-a kuti zvakanaka .13 Madeko akavapo namangwanani akavapo zuva retatu.14 Mwari akati : Chiedza ngaivepo panzvimbo yedenga ,kuti zviparadzanise masikati novusiku; kuti zvive zviratidzo nenguva,nemazuva,nemakore;15 ngapawe nechiedza pazvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika;zvikaita saizvozvo .16 Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri ; chiedza chikuru kuti chibate vushe masikati nechiedza ciduku kuti chibate vushe vusiku nenyeredzi vo.