Gasva

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti gasva (Less than full measure) rinotaura chinhu chisina kuzara kana chinotoda kuwedzerwa kuti chive mhumburu. Shoko iri rinotaura zvinhu zvinofanana nerekuti gamha kana kuti gama.

Kumhengeka (Become full -large container with liquid) apa kureva kuzadza mudziyo wakakura nemvura.


  • Hukama igasva hunozadziswa nokudya.
  • Akati ndiro nomuto mhenge: she filled the plate with soup.
  • Vamwe vanyori vanoti denderedzigama ndiro semi-circle. Izvi zvinenge zvakafanira kuti tikwanise kuturikira zvivakamberi zvinoti semi- kana hemi- zvekuEnglish.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaGanda vanoti kitundu (part, portion, half) kureva chikamu.