Muserimadzwa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuGambamutengo)

Muserimadzwa (subsidy) zvinoreva chikamu chemutengo wenhumbi chinobhadharwa nehurumende ichibhadhara kambani dziri kutengesa nhumbi. Muserimadzwa rinoripwa kuzadzisa zvinangwa zviviri zvinoti: chekuti mutengo wenhumbi unge wakaderera kusvika pokuti vatengi vanokwanisa kutenga nyore; uye kuti kambani dzikwanise kuramba dzichigadzira nhumbi dzisingarasikirwe nemari. Saka Muserimadzwa rinoderedza mutengo kuvatengi asi risingaderedze mari inogamuchirwa nemwene wekambani.

Izwi rokuti subsidy rinobva pakuti sitting behind apa kureva kuti subsidy muripo wakaitwa kare ugere seri kwemutengo unobhadharwa nevatengi. Saka kuChiShona zvanyorwa kunzi muserimadzwa kureva mari igere seri kwemutengo.

Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Hurumende iri kuripa muserimadzwa unokwana $0.25 parita repeturu. Apa kureva – the Government is subsiding petrol at $0.25 per litre.