Fanza
Muchidzidzo fundoyetsimba, kufanza zvinoreva kushanduka kubva pakuve mutuvi kuenda pakuve mwando kunoitika pahujoto humwechete husingakwire kana kudzika. Mutuvi unoshanduka kuva godo kana hujoto hwasvika kana kudarika chimiso chekufanza - boiling point. Somuenzaniso, mvura inoshanduka kubva pakuve mutuvi kuenda pakuve mwando wemvura (water vapour) kana hujoto hwasvika kana kudarika hujoto 100oC.
Kujekesa
Kufanza kuri pamupanda wokusasauka. Musiyano ndewekuti kusasauka kunoitika chero nepahujoto huri pasi pechimiso chekufanza. Kufanza kunoitika nemudida uri pamusoro uye kufanza kunoitika kana hujoto hwasvika pachimiso chekufanza.
Somuenzaniso, mvura yasiyiwa mubhava panze pazuva inosasauka ikadakara kusvika pakupera ichingosasauka asi isina kumbofanza. Kupwa kwemvura iyi kunotora nguva yakareba zvinosiyana nemvura iri kufanza iri pamoto inokasira kupwa.