Dimbu
Muchidzidzo Masvomhu, shoko rokuti dimbu (fraction in English) rinoreva chikamu kubva pane chinhu chizere chose. Dimbu kana richinyorwa rinotaura kuti pane zvikamu zvingani zvakaenzana, sokuti zvitatu-kubva-pazvina (3/4), chimwe-kubva-pazviviri (1/2), zvina-kubva-pazvisere (4/7). Pakunyora muchidimbu tichati 4/7 inonyorwa ichingonzi zvikamu zvina-pazvisere.
Dimbu njee rakafanana nekuti 1/2, 8/5, 4/7 rakaumbwa rine nhamba izere pamusoro nenhamba izere pasi. Nhamba yepamusoro inonzi mberengi, iyi nhamba ndiyo inotaura kuti pane zvikamu zvingani zvakaenzana. Nhamba yepasi inonzi dumazita, iyi nhamba inotaura kuti chinhu chizere (mhumburu) chakaumbwa nezvikamu zvakaenzana zvingani - zvimwe zvezvikamu ndizvo zvaverengwa pamberengi.
Kupiwa kwemazita [chinja]
- Shoko reEnglish rokuti denominator rinoreva that which gives a name - saka kuChishona kwapiwa zita rokuti dumazita. Paya panonzi four-tenths kuEnglish kureva kuti zita rezvikamu zviri pachiro mhumburu rinonzi tenths. Apa panenge pari kutaurwa kuti chizere chose chakadimburwa kuita zvikamu gumi zvakaenzana - nokumwe kutaura toti chizere chose chakaumbwa nezvikamu gumi zvakaenzana.
- Saka nhamba yepasi pedimbu ndiyo inosenga kana kutakura zita rinotiudza kuti chiro mhumburu yakadimburwa kuita zvikamu zvingani zvakaenzana.
- Shoko reEnglish rokuti numerator rinoreva that which is counted or the counter - saka kuChishona kwapiwa zita rokuti mberengi. Paya panonzi four-sevenths" kuEnglish kureva kuti patorwa zvikamu zvina kubva pazvinomwe zvakaenzana zvinova ndizvo zviri kutaurwa nezvazvo.
- Saka nhamba yepamusoro pedimbu ndiyo inoverenga kuti tiri kutaura pamusoro pezvikamu zvingani kubva pane zvose zviri mune chizere chose.
- Shoko rokuti dimbu njee rinofanana nerekuti common fraction kuEnglish. Shoko rokuti njee rinoreva common kuEnglish.
Mhando dzedimbu [chinja]
Dimbu njee nemhando dzaro
Dimbu njee idumbu rakanyorwa sezvinoti a/b. Apa a na b dzinenge dziri nhamba izere; a anonzi mberengi, b anonzi dumazita. Mberengi inotaura kuti pane zvikamu zvakaenzanz zvingani. Dumazita rinotiudza kuti pane zvikamu zvingani zvakaenzana zvinoumba chizere chose uye hachifanirwe kuva zero. Pamuenzaniso 7/3 uye 5/9, mutsetse uri pakati penhamba mbiri unonzi mutsetse wedimbu - fractional line.
Dimbu njee ine mapoka maviri anoti dimbu chikuru-pasi uye dimbu chikuru-musoro.
- Mberengi nedumazita zvichinge zvakakura kudarika zero, dimbu rinonzi dimbu chikuru-pasi kana chiverengi chiri chidiki pane dumazita. Nokumwe kutaura dimbu chikuru-pasi rinofanirwa kuva nehuhombe huri pasi pana 1 (imwe), kureva kuti dimbu iri rine huhombe huri pakati pa 1 na -1.
- Dimbu chikuru-pasi ndiro rinonzi proper fraction kuEnglish.
- Dimbu rinonzi dimbu chikuru-musoro kana mberengi iriyo yakakura pane dumazita.
- Dimbu chikuru-musoro ndiro rinonzi improper fraction kuEnglish.
Dimbu rakavhengana
Dimbu rakavhengana inowanikwa panowedzaniswa nhamba izere nedimbu chikuru-pasi; apa nhamba izere inenge isiri zero. Somuenzaniso kana kuchitaurwa makeke maviri pamwe nehafu yekeke inonyorwa ichinzi
.
- Dimbu rakavhengana ndiro rinonzi mixed fraction kuEnglish
Dimbu chikuru-musoro imwe nzira yokunyora nhamba mhumburu ichiwedzaniswa nedimbu. Dimbu rakavhengana rinokwanisa kushandurwa kuva dimbu chikuru-musoro nenzira inotevera.
- Nyora dimbu rakavhengana iri
sesvomhu
.
- Shandura nhamba izere ive dimbu chikuru-musoro rine dumazita chakafanana nechikamu chine dimbu njee,
.
- Wedzanisa madimbu maviri iwaya. Svomho inowanikwa ipapa inenge iri dimbu chikuru-musoro. Pamuenzaniso wapiwa,
.
Zvinogonanwo kuti dimbu chikuru-musoro rishandurwe kuva dimbu rakavhengana nenzira inotevera:
- Chikangani (pasina musarirwa) ndicho chinova chikamu chine nhamba izere padimbu rakavhengana. Musarirwa ndiye anova mberengi pachikamu chine dimbu njee. Pamuenzaniso , 2 ndiye nhamba izere, 3 ndiye chiverengi pachikamu chine dimbu.
- Dumazita idzva rakaenzana nedumazita redimbu chikuru-musoro. Pamuenzaniso dumazita ndi 4. Saka
.
Dimbu rakavhenga rinogona kuva nhamba pfocho (negative number in English), sezvizvi
, zvichibva zvaenzana sezvizvi
.
Zvokucherechedza
- Chirikunzi musarirwa pano ndicho chinonzi remainder kuEnglish.
- Chiri kunzi Chikangani pano ndicho chinonzi quotient kuEnglish. Shoko rokuti quotient rinoreva how many times.
Dimbu paMuravanegumi [chinja]
Shoko rokuti dimbu reMuravanegumi (decimal fraction) rinoreva dimbu rine dumazita rakanyorwa ari gumi ari kuradanurwa nedanho rakakodzera. Dimbu reMuravanegumi rinopangidzwa kuchinyorwa koma kuruboshwe kwemberengi; kana zvadai dumazita rinenge risisanyorwe. Ana zero vanotsvetwa pakati pekoma nemberengi kana zvakakodzera kuti nhamba dzemberengi dzigonyorwa panzvimbo inodoma hukuru hwevara racho sezvakakodzera.
Ngatitarisei somuenzaniso zvidimbu zvinotevera: 8/10, 83/100, 83/1000, and 8/10000; kana zvoshandurwa kupinda paMuravanegumi zvinonyorwa sezvizvi: 0.8, 0.83, 0.083, and 0.0008.
ye
, zvikamu izvi zvinofanirwa kushandurwa kuti zvive ne
se
.
.
.
,
.