Dowo

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Anthracologie-exemple.jpg

Nhengo dzose dzezvinhu zvinorarama dzakaumbwa nezvidowo (cells) zvinova ndizvo zvikamu zviduku zvinokwanisa kuita mabasa anoraramisa zvinhu zvipenyu. Kune marudzi akawanda ezvidowo ane mabasa akasiyana uye zvimiro zvakasiyana.

Zvidowo zvinonyanya kutaurwa nezvazvo zvidowo zvesikarudzi zvinobva kuhadzi nehono yemhuka kana dzinde. Panobatana zvidowo zvesikarudzi ndipo panotanga kuwumbwa chibereko kana mwana wezera rinotevera.


Shoko rokuti dowo rinobva pakufananidzirwa kwedowo rinowanikwa pachizinga chinogadzirirwa huchi nenyuchi chine madowo ane kuumbwa kwakaita gonyanhanhatu (hexagon). Kuumbwa kwakaitwa chizinga nekubatana kwemadowo kunoda kufanana nekuumbwa kwakaitwa nhengo dzemuviri nemadowo ari kutaurwa pano.