Dare reVakokeri

Kubva Wikipedia

Sachigaro weDare reVakokeri (Chairman of the Board) mumwe pakati pevaSadare anotungamira mabasa nemisangano yavo.

Mukokeri wekunze (Non-executive director or outside director) anenge ari nhengo yeDare reVakokeri asi asiri mukokeri mushandi.

Mukokeri Mukuru kana kuti Mukokeri Muzvinabamba (Managing Director or Chief Executive Officer)' anenge ari mushandi wesangano uye ari nhengo yeDare reVakokeri aine basa rokutungamira mabasa esangano zuvanezuva. Mukokeri Mukuru anoshanda ari pasi peDare reVakokeri achipanga mazano mudare iri.

Mukokeri webamba kana kuti Mukokeri wemukati (Executive Director or inside director) anenge ari mukokeri anoshandira sangano riri kutaurwa nezvaro zuva-nezuva, ari anoona kuti zvirongwa zvedare revakokeri, zviri kutevedzerwa nokuwaniswa midziyo, mari nehumhizha hunodikwana mubazi raanotungamira.

Mukokeri weMushininga (Chief Operating Officer or Operations Director) anenge ari mukokeri uye mushandi weSangano anotungamira mabasa esangano mazuva ose. Mukokeri weMushaninga anoshanda ari pasi peMukokeri Mukuru.

Kuronza (deputizing) zvinoreva kufana kubata chigaro cheuwo asipo kana kuva mutevedzeri wemukuru panzvimbo. Wacho anenge ari mutevedzeri anokwanisa kunzi muronzi.


Mukokeri wezveMari kana kuti Mukokeri wezveMuduso (Finance Director or Chief Financial Officer)

Mukokeri wezveVashandi (Human Resources Director)

Mukokeri wezveKutengeserana (Marketing Director)