Dandiranyika

Kubva Wikipedia

Shoko rokuti dandiranyika (International kuChirungu) riri kushandiswa kutsanangura chiro (chingava nhau, mutauro, sangano, kambani, kana mitemo) chinobata nyika dzakawanda, idzi dzingava nyika mbiri kana kudarika. Somuenzaniso Chirungu mutauro wakadandiranyika (International language), apa kureva kuti mutauro unotaurwa munyika dzakawanda dzinodarika nyika imwe. Mutemo Unodandiranyika (International law) mutemo unoshandiswa munyika dzakawanda dzinodarika imwe; mitemo wakatendera kuti Charles Taylor atongwe kudare riri kuHague, kunyika isiyake, mutemo dandiranyika.


Kurerutsa Mutauro[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Zvakakosha kuonesana kuti pane nhambo dzokuti shoko rokuti dandiranyika riri nyore kushandisa mukutaura kwoita pamwe pokuti rinoremera zvichienderana nekubatanidzwa kwemazwi ari kutaurwa. Shoko rokuti Pasirose rinokwanisa kushandawo panzvimbo pokuti dandiranyika zvikurur sei kana chirongwa chiri kutaurwa chichibata huzhinji hwenyika dzePasirose. Sarudzo yokuti kwashandiswa izwi ripi, Pasirose kana dandiranyika zvinoenderana nokureruka kutaurwa zviripo zvacho uye kuti shoko rasarudzwa rinokwanisa kunatsa kutsanangura zviripo here.

KuChirungu tinoona kune sangano rinonzi World Trade Organisation asi richisiya dzimwe nyika dzakawanda, dzakakurumbira kana dzine hugari hwevanhu vakawanda kubva panhengo dzaro. Kwenguva huru China yakanga isiri nhengo yeWorld Trade Organisation asi iyi ndiyo nyika ine hugari hwevanhu vazhinjisa Pasirose uye ndiyo iri panhamba yechipiri pakutengeserana nhumbi nedzimwe nyika.


Masangano akadandiranyika[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Masangano akatandira nyika zhinji dzePasirose anosanganisira anotevera:

Sangano reMushando Pasirose, Sangano reMubatanidzwa weAfrica, Sangano reHutano Pasirose, Sangano reKurima neChokudya, Sangano reMubatanidzwa weNyika Pasirose, Sangano reNhabvu yeMabandiko ePasirose