Chitofu (mugodhi)
Muhushangazhi hwemugodhi, chitofu (Ore kuEnglish) izwi rinoreva matombo ane simbi kana chimwe chicherwa chakakosha chiri kutsvakwa chiri kuchererwa mugodhi wacho.
Chitofu chinokwanisa kunge chiine gold, copper, nickel, platinum kana ipi zvayo simbi iri kutsvakwa nevacheri vemigodhi. Pamigodhi mizhinji chitofu chinowanikwa chiine simbi dzine ukoshi mbiri kana nhatu.
- Somuenzaniso, muZimbabwe migodhi inocherwa gold inowanza kunge ichiwanikwawo silver.
- Migodhi inowanikwa platinum inowanza kuwanikwawo simbi dzinoti: palladium; ruthenium; rhodium; gold uye silver.
- Sarudzo yokuti mugodhi unodaidzwa kunzi unochera simbi ipi inotevedza kuti ndeipi simbi yakakosha zvakanyanya pakuunza mari pamugodhi iwoyo. Simbi inowanikwa nehuremu hushoma inokwanisa kunge iriyo iri kuunza mari yakawanda kuburikidza nemutengo wainotengwa nayo. Somuenzaniso migodhi inocherwa platinum muZimbabwe inowana nickel ine huremu hwakawanda kudarika platinum yacho. Nokuda kwekuti platinum ine mutengo wepamusoro, mugodhi unodanwa nezita rokuti Platinum Mine.
Panocherwa mugodhi panobudawo mamwe matombo asina simbi yakakosha; nguva zhinji matombo aya anoburitswa kuti nzira dzinosvika kune dombo rine mari dzitambanuke. Matombo asina mari anodanwa kunzi mambara. Vavariro yevanochera mugodhi ndeyekuti: dombo risina mari rive ndiro shoma; dombo risina mari ritsaurwe kubva pane rine mari; dombo rine mari rikororwe (extraction) napose panogonekwa nenzira dzisina njodzi kuvanhu, mugodhi kana michina.