Chisipiti

From Wikipedia
Jump to: navigation, search
Uracher Wasserfall Quellgebiet 01.jpg

Muchidzidzo chetaranyika, chisipiti (spring) zvinoreva panzvimbo panobuda mvura ichitubuka yega kubva pasi. Vamwe vaturi vanoti chitubu. Kana chisipiti chichibuda kubva pasi pedombo chinonzi dombore.

Panonaya mvura, imwe mvura inosinina ichipinda pasi pevhu. Yave pasi, mvura iyi inotevedza pane ivhu kana mhande yematombo anobvinina (layer of permeable soil or rock). Mvura iyi inokwezvewa kuenda kunzvimbo dziri pakaderera kuburikidza negunganidzo re Earth. Nokuda kwegunganidzo, mvura yemuvhu inoda kuwungana ichigadzikana pasi ipapo kudzamara pamusoro payo pave muchechetere. Iwoyu muchechetere wemvura unodanwa kunzi tafura yemvura - water table kuEnglish.

Imwe nguva chiwarikwa chematombo anobvinina chinosvika pachinobudikira pachinosangana nepane nhika pauso hwenyika. Ipapo kana tafura yemvura iri pakakwirira kudarika nhika iyi, mvura inotubuka kubuda muchiwarikwa chematombo ichizoonekwa sechisipiti.

Mune dzimwe nzvimbo mvura iyoyi inokwanisa kunge yayerera ichibatana nemuzera wedombo rinopisa zvokuti inotubuka panyika yave kudziya kuita chisipiti chinopisa - Hot springs.