Chinepfu (pamuhambo)

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuChinepfu (ruhambo))

Chinepfu (inertia) zvinoreva chiitiko chinoonekwa chokuti mutumbi kana uchidenhedzwa nefosi hazvidi kushanduka kubva pamafambiro kana kumira kwawanga wakaita. Chiitiko ichi chinonyorwa pamitemo yeruhambo yaNewton sezvizvi.


  • Mutemo wekutanga: Pachinge pasina fosi rokunze rinotsimbira, mitumbi yose inoramba iri pakuzorora, kana pakuhamba kusingachinje kunotevedza gwara rakatwasuka. Izvi zvinoreva kuti mutumbi wakazorora unoramba wakazorora kusvika watekenyewa nefosi rokunze risina rimwe fosi rinorigadadza. Zvakare mutumbi uri kuhamba unoramba uri kuhamba nespidhi imwechete uye rudzivo rusingachinje kusvika apo unotekenyewa nefosi rokunze risina rimwe fosi rinorigadadza. Uyu mutemo unotaura pamusoro pechinepfu.