Chimiro chemuviri

Kubva Wikipedia
Chimiro che murume ne mukadzi vasina kusimira. Murume akakura pamapendekete, mukadzi akakura muzvidya

Chimiro chemuviri wemunhu chinokonzerwa nezvinhu zvinoti: mapfupa eragwanda rake; mhasuru dzaanadzo; nemafuta ari paari. Chimiro cheragwanda chinokura nekushanduka kudzamara munhu akura abva zera, chimiro ichi chinozoramba chakadaro kwehupenyu hwese.

Panguva yekuputudza chimiro chemunhu chinoshanduka zvichigadzirira chitiko chekusikarudzi. Muvanhu vayaruka mhasuru dzinochinja nokuda kwekushenaira uye nzvimbo dzine mafuta pamuviri nehuwandu hwacho zvinochinja zvichikonzerwa nezvidenhi. Dzimwe nhodzerwa dzinobva kuvabereki dzine chekuita nemawumbirwo anoitwa muviri wemunhu.

Chimiro chemunhu chinokonzera mafambiro uye mamiriro akasiyana uye chimiro chikwanisawo kukwezva vamwe vanhu.

Kuumbwa kweRagwanda[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kuumbwa kwakaitwa ragwanda remapfupa emunhu ndiko kunonyanya kududza kuti munhu ane chimiro chakaita sei uye ragwanda harichinje zvakanyanya pahupenyu hwemunhu. Varume vanoonekwa vakareba pane vakadzi kazhinji-zhinji.

Kufara pamapendekete nekukura dundundu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Kufara pamapendekete kunoonekwa muvarume panguva yekuputudza. Kukura kwemapfupa embabvu kunokonzerwa nechidenhi chinonzi testosterone panguva yokuputudza. Saka varume vaine mapendekete akakura nedundundu rakabuda, zvinotendera kuti vafeme mweya wakawanda unoenda kumhasuru dzavo.

Magaro makuru muvakadzi[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Pakuputudza vakadzi vanokura magaro izvi zvichikonzerwa nechidenhi chinonzi estrogen. Bvupa repahudyu rinofara iyi iri umwe musiyano pakati pevarume nevakadzi. Vakadzi vane zvidya zvakafara zvinova zvinoenderana nekuzvara vana; kukura muzvidya zvinotendera kuti mwana abude nyore panguva yokusununguka. Mushure mekuputudza zvidya zvevakadzi zvinenge zvafara kudarika mapendekete avo; kuvarume mapendekete anofara kudarika zvidya.

Kufamba kwemafuta[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

Estrogen inokonzera kuti mafuta achengetwe mumagaro, zvidya nemuhudyu muvakadzi. Kana nguva yasvika yokuti vakadzi vaguma chizvaro, chidenhi chinonzi oestrogen chinoderera, zvichikonzera kuti mafuta atame kubva mumagaro, zvidya nehudyu kuenda muchiuno. Pava paya mafuta aya anochengetwa padumbu. Naizvozvo vakadzi vanoonekwa vane chiuno chitete nemagaro makuru.

Varume vane mafuta mashoma pachiso izvi zvichikonzerwa nechidenhi chinonzi testosterone, inobatsira kuparadzwa kwemafuta. Varume vanochengeta mafuta muchiuno nepadumbu nokuti havana estrogen yakawanda.

Zvirevo[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • Muviri mwene wawo. The (disposition of the) body is known by its owner

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]