Chidzikwe

Kubva Wikipedia

Pakushanda kunoita hushangazhi pane mipimo yakatarwa pamitemo yenyika Pasirose kuti ive mipimo yechokwadi inofananidzwa Pasirose. Izvi zvinoitwa kuti pakutengeserana pave nekuwirirana kuti huwandu wezviri kutengeswa hwakakura zvakadii.

Mipimo yakatarwa iyi inonzi chidzikwe (Standard kuEnglish). Nyika dzose dzinosungirwa kuenzanisa zviyero zvadzo nechidzikwe chakatarwa neISO - International Organisation for Standardisation rinova sangano rakapiwa hutongi pamusoro pezvidzikwe zvakasiyana-siyana.

Somuenzaniso panopimwa huremu kunoshandiswa chiyero chinonzi kilogram - ichi chiyero chinofanirwa kuenzana munyika dzose.

Mitauro yeBantu[chinjirudza | chinjirudza mabviro]

  • VaVenda vanoti tshilinganyo (n. standard).
  • VaVenda vanoti -linganyisa (n. standardize).