Chengu

Kubva Wikipedia

Chengu kana dunguza (hartebeest) imhuka yesango inowanikwa muAfrica. Chengu dzinorama makore 11 kusvika 20 dziri musango asi padzinorerwa muhutapwa dzinorarama makore anokwana 19. Chengu imhuka dzinoda kugarisana pamwe, dzinofamba dziri mumatanga ane mhuka 20 kusvika 300. Nguva zhinji chengu imhuka yakadzikama asi inoviruka nehasha kana ichinge yadenhwa. Chengu dzinoyaruka zvokutanga kubereka pazera regore rimwe kusvika pamavari. Nzvari inotakura pamuviri kwemwedzi minomwe (8) ichizozvara mhuru imwe. Chengu dzinogara musavhana; mumafuro ari pamhene uye mune miti.

Danga rechengu